PAKUDENGA kuna Baba
Kwakanaka kwazvo;
Pakudenga kuna Baba
Kwakafara kwazvo
Hakupindi chakaipa
Kana chiri chimwe
Hakupindi zvokurwara
Nechirwere chimwe
Ndavatsvene ivo voga
Vanogara ikoko;
Vanokuda vanamate
Iwe Mwari wavo
Vakawana musha wavo
Musha vakagara;
Vakawana noupenyu
Husingapfuure
Ndiri mweni pane nyika
Ndinosuwa denga;
Ndandipinde newe Jesu
Ndiende kudenga